Saheru (Chiarabhu: ساحل sāḥil, Sahel; "kosti, hombekombe") irhewumu reupangahwewa (ecoclimatic) ne rutaramhenyuchisi (biogeographic) yetransisheni muAfurika iri pakati peSahara kumaodzanyemba uye Savhana yeSudhani kuchamhembe . Ine hwewa hwe umhari (semi-arid), inotandamuka kuchingamira rumbariro rwe chamhembe-pakati che Maodzanyemba eAfurika pakati pe Gungwa re Atlandiki ne Bhahari Dzvuku. Saheru chikamu cheAfurika chinosanganisa madokero ne mabvazuva ekumaodzanyemba eSenegaru, kuchamhembe cheMoritaniya, pakati peMaari, kumaodzanyemba eBhurukina Faso, uye kuchamhembe chaikoiko kweArujeriya ne Nayizhe, uye kumaodzanyemba chaikoiko kweNaijeriya, kumaodzanyemba chaikoiko kweKameruni uye Rudhende rwePakati peAfurika, pakati peChadhi, pakati ne kuchamhembe kweSudhani, kuchamhembe chaikoiko kweSudhani Chamhembe, Eriteriya ne kumaodzanyemba chaikoiko kwe Itopiya. Nenhoroondo, madokero eSaheru anowanzo danwa se ivhu reSudhani (bilād as-sūdān بلاد السودان "Ivhu re Sudhani"). Bhande iri rakagadzwa pakati peSahara ne nzvimbo dze hombekombe reMadokero eAfurika.
Developed by StudentB